Genesis 15

Sungano yaMwari naAbhurama

1Shure kwaizvozvo shoko raJehovha rakasvika kuna Abhurama muchiratidzo richiti:

“Usatya, Abhurama.
Ndiri nhoo yako,
mubayiro wako mukuru chaizvo.”
2Asi Abhurama akati, “Haiwa Ishe Jehovha, muchandipeiko sezvo ndisina mwana uye Eriezeri weDhamasiko ndiye achava mudyi wenhaka yangu here?” 3Uye Abhurama akati, “Hamuna kundipa vana; saka muranda ari mumba mangu ndiye achava mudyi wenhaka yangu.”

4Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwaari richiti, “Murume uyu haangavi mudyi wenhaka yako, asi mwanakomana anobva mumuviri wako ndiye achava mudyi wenhaka yako.” 5Akamutora akamubudisa panze akati, “Tarisa kumusoro kumatenga uye uverenge nyeredzi uone zvirokwazvo kana ukakwanisa kudziverenga.” Ipapo akati kwaari, “Ndizvo zvichaita vana vako.”

6Abhurama akatenda Jehovha, uye iye akamuti ndiko kururama kwake.

7Akatiwo kwaari, “Ndini Jehovha, akakubudisa munyika yeUri yavaKaradhea kuti ndikupe nyika iyi kuti uitore ive yako.”

8Asi Abhurama akati, “Haiwa Ishe Jehovha, ndingaziva seiko kuti ndichaitora?”

9Saka Jehovha akati kwaari, “Ndivigire tsiru, mbudzi negondobwe, chimwe nechimwe chazvo china makore matatu pamwe chete nenjiva uye nehangaiwa.”

10Abhurama akauyisa zvose izvi kwaari, akazvigura napakati uye akaronga hafu dzacho dzakatarisana; asi shiri haana kudzipamura napakati. 11Ipapo shiri dzinodya nyama dzakaburukira panyama, asi Abhurama akadzidzinga.

12Zuva parakanga rovira, Abhurama akabatwa nehope huru, uye rima guru rinotyisa rakauya pamusoro pake. 13Ipapo Jehovha akati kwaari, “Uzive zvirokwazvo kuti zvizvarwa zvako zvichava vatorwa munyika isati iri yavo, uye vachabatwa senhapwa uye vachibatwa zvakaipa kwamakore mazana mana. 14Asi ndicharanga rudzi rwavachashandira senhapwa, uye shure kwaizvozvo vachabuda vaine pfuma zhinji kwazvo. 15Kunyange zvakadaro, iwe uchaenda kumadzibaba ako norugare uye uchavigwa wakwegura kwazvo. 16Parudzi rwechina, zvizvarwa zvako zvichadzoka pano, nokuti chivi chavaAmori hachisati chasvika pakuzara kwacho.”

17Zuva rakati ravira, uye kwasviba, choto chinopfungaira utsi uye nomwenje unopfuta zvakaonekwa uye zvikapfuura napakati penhindi. 18Pazuva iro, Jehovha akaita sungano naAbhurama akati, “Nyika iyi ndinoipa kuzvizvarwa zvako, kubva kurwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, Yufuratesi, 19nyika yavaKeni, navaKenazi, vaKadhimoni, 20vaHiti, vaPerizi, vaRefaimi, 21vaAmori, vaKenani, vaGirigashi navaJebhusi.”

Copyright information for SnaBDSC